Hebrews 10

Chibayiro chaKristu chakaitwa kamwe chete zvikapera

1Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungagoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. 2Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? 3Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga, 4nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.

5Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:

“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,
asi muviri wamakandigadzirira;
6zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi
hamuna kufadzwa nazvo.
7Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,
ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).” 9Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. 10Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera.

11Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. 12Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. 13Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, 14nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.

15Mweya Mutsvene anotipupurirawo pamusoro peizvi. Kutanga anoti:

16“Iyi ndiyo sungano yandichaita navo
mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe.
Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,
uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17Ipapo anotizve:

“Zvivi zvavo nokudarika kwavo
handizozvirangarirezve.”
18Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.

Kutsungirira

19Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu, 20nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake, 21uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari, 22ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena. 23Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka. 24Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. 25Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

26Nokuti kana tikaramba tichitadza tichida, kana takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchisinazve chimwe chibayiro chezvivi, 27asi kungomirira tichitya kutongwa nokutsamwa kunopfuta somoto, kuchapedza vavengi vaMwari. 28Munhu wose akaramba murayiro waMozisi akafa asinganzwirwi tsitsi pamberi pezvapupu zviviri kana zvitatu. 29Ko, munofunga kuti munhu, akatsika pasi petsoka dzake Mwanakomana waMwari uye akatora ropa resungano iri rakamuita mutsvene sechinhu chisiri chitsvene uye akatuka Mweya wenyasha, anofanira kurangwa zvikuru sei? 30Nokuti tinomuziva iye akati, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” uyezve, “Ishe achatonga vanhu vake.” 31Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

32Rangarirai mazuva okutanga mushure mokugamuchira chiedza, amakatsunga pakurwa kukuru mukutambudzika. 33Pane dzimwe nguva makatukwa uye mukatambudzwa pachena; pane dzimwe nguva makagovana navo vakaitirwawo izvozvo. 34Makanzwira tsitsi avo vakanga vari mutorongo mukagamuchira nomufaro kupambwa kwenhumbi dzenyu, nokuti maiziva kuti imi pachenyu makanga mune pfuma yakapfuura nokunaka uye inogara.

35Naizvozvo regai kurasa kusatya kwenyu, kuno mubayiro mukuru. 36Munofanira kutsungirira kuitira kuti kana maita kuda kwaMwari mugogamuchira zvaakavimbisa. 37Nokuti kanguva kaduku duku kasara,

“Iye anouya, achauya, asinganonoki.
38Asi akarurama wangu achararama nokutenda.
Uye kana akadzokera shure,
handizofadzwi naye.”
39Asi isu hatisi ivo vokudzokera shure, vanoparadzwa, asi tiri vokutenda vanoponeswa.

Copyright information for SnaBDSC